Gogo ndauya zvakare ndarota ndichifamba nesango kunge ndirikutiza but pandanga ndichifamba panga paine mhuka dzakafa saka kwaita sekuti ndina baba vekwangu tichifamba kudaro vanga varikushure ini ndirimberi kwaita mhuka imwe chete yatasangana nayo isina kufa ichida kudya baba i bere mhuka yacho ndangononga dombo ndikati enda unodya dzimwe mhuka uko ndobva yatiza
Mai vangu vakashaya ndichiri kukambaira chaiko up to now 32 years kana one day randakavarotao ndodao andirwire. Zvoita here kusarotao mai vako vakandifuratira here zvingarevei
@Spiwe-uh2ge pamwe kwauri kungaita kure asi dzimu rinotakanurwa ne natiro ine mishonga inorongedzwa na Soko. Asi zvinotoda mapinda mudare kuti mupatsanurirwe dare racho
Muchembere Soko makadini tinotenda nechirongwa chenyu..Vari kunze kwe Zimbabwe 🇿🇼 munokwanisa kuvabatsirawo here
Zvinokwanisika chaizvo ndne muzukuru wandinoshanda naye anoita video call nemi mopinda mudare. Kana paine mitombo inodiwa kuti mushandise muri ikoko inotumirwa.
@@DareraMuchembereSoko OK zvakanakai zvinotendwa chose 🙏
@@monalisakaetano8083 munongotibata panumber dziripa screen
Gogo ndauya zvakare ndarota ndichifamba nesango kunge ndirikutiza but pandanga ndichifamba panga paine mhuka dzakafa saka kwaita sekuti ndina baba vekwangu tichifamba kudaro vanga varikushure ini ndirimberi kwaita mhuka imwe chete yatasangana nayo isina kufa ichida kudya baba i bere mhuka yacho ndangononga dombo ndikati enda unodya dzimwe mhuka uko ndobva yatiza
Huyai ku whatsapo tikurukure 0786772381 zim number
Mbuya ndarota ndauya kumatare enyu asi ndanga ndiine vandauya navo asi takagara mazosimudza baba vangu muchida kuvapatsanurira , asi ini mumoyo ndanga ndichiti mari yematare handina kuti tibatsirwe ndokubva ndapepuka.
Ndatoshayawo kuti zvarevei
Maswera sei zvingada kuti pane nhau ingazokusvitsa kuno.
Mai vangu vakashaya ndichiri kukambaira chaiko up to now 32 years kana one day randakavarotao ndodao andirwire. Zvoita here kusarotao mai vako vakandifuratira here zvingarevei
Iiih kureva kuti unorota hako here zvimwe uumm.
Makadini mbuya soko , ko kurota uri muchikepe chichena mu dam , wozoona uchidarika bridge asi mberi woona chamupupuri chichitaridza kubva mumvura
Unenge uine mashavi emumvura kureva kuti une muchembere panyama yako
Ndinoteñda
Ndakarota ndichirumwa nenyuchi 2 kugotsi zvingarevei mbuya
Sekureva kwandaita kuti urikuratidzwa kuti ungasangana ne dzudzo pamberi apo saka unofanira kugara wachenjerera.
Muchembere ndokumbirao kutaura nemi kuwatsap
Wakadii muzukuru tinowanika pa 3301 Glenview 4 padhuze ne police yepa budiriro 2 kana panhare dzinoti +263786772381 kana kuti +263718561555 dzese dzinoita whatsapp
Muchembere makadini zvinoreveyi kuti dare rinoda vatanha
Kureva vakapihwa masimba emhepo huru.
Mbuya makadii pamombe svuku iyi pakazosvika tateguru vako voti ,itenge but ive hadzi hazvizonetsa here kumberi sezvo ndiri muzukuru sikana akagarwa nemadzitateg uru,nemachembere mbuya please help,nemhinduro
Wakadii muzukuru, izvi manje zvinoda kuti upinde mudare tateguru vodanwa vorevedza kuti nemhaka yei varikuda mombe tsvuku uyezve toona kuti nditateguru here kana kuti kune chatungamira mberi kwaTateguru
Ndinoteñda
Ko muchembere njuzu yetsungunu injuzu yakaitasei
Regai ndigoisa iri video ndichitsanangura zvizere
Tinotenda takamira
Takamirira
Mbuya Soko makadini ko kurota uchinzi murume wako pamota pake akaisirwa chihnu chinofamba pedzezo konzi alashandisirwa misoro miviri yekamba zvorevei veduwe
Munopihwa dare, panenge paine nhau muzukuru. Asiwo zvimwe zvinoda kupinda mudare. Asi zvirikuratidza kuti panenhau irikuedza kupatsanurwa paari.
Mazviita mbuya ndinoroteswa zvihnu zvinotyisa zvimwe zvinoitika rambai makadaro gogo musaneta kubatsira vazukuru venyu
@@mildredvubula326 Aiwa tinotenda
Mbuya soko makadini kurota wakamira pakati kumberi ne kuseri kune dziva .dziva rekumberi mvura ichienda kudenga pova paita chamupupuri then pandacheuka kuseri ndoona brother yangu ichitshayira muchova wavo ichifambira paruvare uchinanga padziva rirapagotsi pangu
Ko kugara uchirota uri kumusha nguva zhinji zvingarevei.. ko kurota munda une zvirimwa zvakasvibira uchivhumbura nyimo
Kazhinji zvirimwa zvinomiririra magarikwa. Asi sekureva kwandaita kuti zviroto zvirahwe. Vekwenyu vanogona kunge vachikuonesai kuti endai kumusha munotsika tsoka yenyu ikoko
@@DareraMuchembereSoko Tinotenda
@@Spiwe-uh2ge zvakanaka
Nyoka miyedzo? How? Hamusi makuzvipotsa.
@tova4700 shato ne tsukukuviri ndidzo nyoka dzemudzimu chete. Asi kana muine manzwisisiro enyu zvakangonaka
Makadin mbuya ko kurota uchibirwa foni zvinorevei
Ukatarisa uchaona kuti uchashaya kuti ko mari iyi yapera nei chaizvo chaizvo. Muchidimbu Kutorerwa pfuma
@@DareraMuchembereSoko Ndatenda zvangu muchembere nerudo rwenyu
Nhai muchembere ndingabatsirika sei nenyaya yangu ichokwadi mari chaiyo inongopera chainenge yatenga hapana
Mbuya Soko makadii chii chinoita munhu akanganwe hope or kusatorota kwacho
Ndizvo zvnoratidza kuti dzimu rekwenyu rakatsipikwa. Nekuti dzimu ndiro rinopa makope. Tine zvatinoita kuti dzimu renyu ritakanurwe ritange kukuchengetai
@@DareraMuchembereSoko Tinotenda nemhinduro zvino munhu angabatsirike sei panhau iyi
@Spiwe-uh2ge pamwe kwauri kungaita kure asi dzimu rinotakanurwa ne natiro ine mishonga inorongedzwa na Soko. Asi zvinotoda mapinda mudare kuti mupatsanurirwe dare racho
@@DareraMuchembereSoko Mazvita nekujekesa ipapo. Ko kuzhamura wakuda kunamata chingave chii
@@Spiwe-uh2ge kuzhamura idare remumusha kana kuti mhepo inenge iine shungu dzekupanda mazwi.